John 10

Mufudzi wakanaka

1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo. 2Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai. 3Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze. 4Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. 5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni. 6Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.

7Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai; 8vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa. 9Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro. 10Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.

11Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake. 12Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai. 13Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.

14Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu. 15Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu. 16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.

17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve. 18Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.

19Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa. 20Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei? 21Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?

Jesu anoudza VaJudha kuti ndiye Kristu

22Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando; 23Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni. 24Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena. 25Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu; 26asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri. 27Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera; 28uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. 29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu. 30Ini naBaba tiri umwe.

31Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. 32Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira? 33VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari. 34Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari? 35Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa; 36imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari? 37Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda. 38Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari. 39Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.

Jesu anondogara mhiri kwaJoridhani

40Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo. 41Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi. 42Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.

Copyright information for Shona